Rurue Novels

Rurue Novels ENJOY THE DRAMA

01/11/2025

Celebrating my 7th year on Facebook. Thank you for your continuing support. I could never have made it without you. 🙏🤗🎉

04/08/2025

[7/28, 16:37] Maps2: Tsika Dzedu* 👣🕵️‍♂️🧎‍♂️👏🙏📘📘

Written 🖊️🖊️ by Rurue M.Z

+263784110192/ +263719110190

Chapter 4

Enjoy the drama.

" Yuwiiii yuhwiiiii, zvakaoma vasikana , nhamo haibve paneimwe chokwadi" ava vaive VaChihera vachiungudza vari seri kwe hozi yavo. Ko vainge vaona chisionekwi mudzi webwe. Amai Mutimuri vakabva vamhanyirako kundovanyararadza.

Ukuwo Moyondizvo na mutimuri vaive barara mhanya kutevera muhwezva wenyoka, " mukuru murikuona here kuri kuenda muhwezwa uyu".
Moyondizvo: ko unondibvunza zvaurikuona sei nhai sahwira?

Vakadaro ndokubva vamira vakatarisana vachifemera pamusoro.

Mutimuri: Haaa gore rino zvokwamirambiwa chisionekwi sahwira.

Moyondizvo: Huronbwa chete hapana chimwe apa , unoti chii chirikuitika apa.

Mutimuri: Munenge mabaya Dede nemumukamwa hama. Zvino ndiyaniko akaromba? Iye Nyamuzihwa zvaari mutungamiriri wechechi.

Moyondizvo: Ndave munhu abva zera ini, chandinoziva ndechekuti chakafukhidza dzimba matenga.

Mutimuri: manje mukataura ma dimikira hatizinzwisise isu vechidoko.

Moyondizvo: Hatidzikere kumba tinorongazano tiripamwe nevamwe.

"Zvakanaka sahwira, handei". Akadaro Mutimuri ndokudungamidzana vakananga kumba kwavaMoyondizvo , aingoti mumoyo make, "itai tione vaNyamuzihwa , ndamba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma, nhasi uripapi?. Aingotaura ega hake Mutimuri mupfungwa make vachifamba Moyondizvo vachitevera kumashure.

" Ndazoremerwa zvino, kutsva kwendebvu varume tinodzimura asi dzangu ndebvu handione dzichine achadzimura, ndazvioinza muna taisireva, dei mwana waMurambiwa akasamuka ngozi"

Mai Mutimuri: ( Kuna vaChihera) sahwira mukachema isu vana vadoko toitasei , shingai mumire sembumba patoshata apa.

VaChihera: Ndotadza kuchema Seiko ndaparirwa ini, Mwana iyeyu akamuka ngozi ndoitasei
Vasati vapedza kutaura Chemai anosvikawo, " amai kani ndiudzeiwo ndizive , Mwana wangu amedzwa neshato here , kana kuti ashanduka nyoka?" , Vese vanomutarisa hapana akamupindura.

Chemai: amai Mutimuri ndipindurewoka shamwari( vachivazungunutsa)

Mai Mutimuri: ( nehasha) tidzikamire iwe Chemai, wakamboona munhu anosanduka nyoka

Chemai: Saka murikuti amedzwa?
Akadaro ndokutanga kuungudza, " Mwana wangu kaniiiiiiiiii".

VaChihera: iwe ati amedzwa ndiyani, hapana zvakadaro.

Vakadaro VaChihera vachizama kunyararidza Mwana sikana wavo amai Musodzi, asi kutaura pachokwadi hapana aive neruzivo rwokuti mutumbi womwana wakanga wamedzwa nenyoka or kushanduka nyoka.

"Mukoma huyai kuno, pane zvandaona" akadaro Jairos achideedza VaMurambiwa, vakabva vadungamidzana vachienda .

Murambiwa: maonei nhai shumba.

Jairos: haaa musaderera varipasi mukoma, ndaona mutumbi womwana wavemo mumba umo.

Murambiwa: heee , unoreveiko iwe, vadzoka naye here?

Jairos: hapana adzoka nawo asi Ruvheneko auya ega, hamungazvinzwisise mukoma , huyai kuno, musapanika.

Akadaro ndokubva vateverana vakananga kugedhe.

Ukuwo va Moyondizvo vanozvika vakadungamidzana namutimuri vakananga pamadzimai avo, Mai Muzodzi pavakangovati ba vakavamhanyira.

Chemai: Baba madzoka here , maona kwayaenda here nyoka iya, yamedza Ruvheneko wangu kana kuti mwana wangu ndiye ashanduka nyoka.

" Mai Mutimuri, endai na Chemai mumba umo, tichazokudanai tambotaura" vakadaro Moyondizvo.

Mai Mutimuri vanozvuzvurudzana naamai Musodzi vakananga kuimba yebikiro kwavainge vanzi vaende, ko Ivo mai Muzodzi vangevoita sedzarasika pfungwa.

"VaChihera, taremerwa pano, hapana achinezano" vakadaro Vamoyondizvo

VaChihera: zvakaoma samusha, ndiko kunonzi kupinda nomwenje mudziva uku. Zvinomati toitasei?

Mutimuri: Ndangandichiona zvakakodzera tinokumbira ruregerero zvisati zvaipa.

Moyondizvo: Mutimuri, unoona sedambe nyaya iyi iwe , tinozvikasei, tisina chidumbu chemwana wevaridzi?

Mutimuri: Sahwira inga mangoona wani kuti muhwezwa wenyoka wananga pamusha pavaMurambiwa.

VaChihera: Matii kudini sahwira, zvamunofaura zviriko here izvi?

Mutimuri: Ndirikutotaura zvokwadi amai, ndakavaudza baba ava kuti munhu hwamurikugadza hutungamiriri akaipa ,uye muroi, nhasi ndezvipi honai achekeresa vana.

Jairos anosviko ratidza mukoma wake muhwezwa wenyoka, " murikuona muhwezwa uyu, pawasvika pagedhe wabva wapera hapana kwawazoenda asi, chiregai ndikuudzei ini ndinonzwisisa nezvechivanhu, iyi yafamba apa haisi nyoka ndiRuvheneko, pawasvika apa haana kuda kuzoonekwa ashanduka kuita mweya kutaura zvino arimo mumba umu akarara pavamwe asi hapana anomuona"

Murambiwa: Urikueeveiko iwe, urikutoti Mwana uyu atouta vakwana, zinoitika sei izvozvo".

Jairos: Baba vedu VaShumbahuru vaive n'anga zvamunoziva imwi, inini nababa tainzwanana chese chavaiita vainditaurira. Chekutanga vakati kana ndafa handina Mwana wangu wandinoda aite n'anga seni, chechipiri vakanditaurira kuti vese vana vangu ndakavadzisa pfuko, kana achaurawo nokuda kwehuroyi, kupondwa chero muurairwo upizvawo achapfuka arwise muurayi wake.

Murambiwa vakagara pasi vati rukutu rukutu, vakatura befu ndokuti, " huuuu , saka urikuti vana vangu vane akauraya?"

Jairos: Hongu mukoma.

Murambiwa: Zvinondiyani uye achindirwisirei?

Jairos: musazvidya moyo mukoma , akazviita achadura zvese , parizvino handei tinotenga mabhokisi ekuzoisa mitumbi iyi, isusu tichazoudza venharaunda kuti tazonotaurirana naMoyondizvo, tikabva tabvumirana kuti vana vese vazochengetwa kuno, zvinobva zvazoita setanomutora isu.

Murambiwa: Koivo vekwamoyondizvo tovatii?

Jairos: musanyanyokufunga nezvazvo kana vauya ngativaudzei kuti, yadeuka yadeuka, ngatiitei zvekuchengeta vazorora zvakawanda tozo taura.

Vakadaro ndokusimuka voenda pamopa, " rega ndinotaurira varikuona nezvekubatwa kwebasa kuti takumbobuda", vakadaro VaMurambiwa.

Chemai: sahwira chii chirikuitika?

Mai Mutimuri: Mai Musodzi hapana chirikuitika iwe , zvakara pafiwa panezvizhinji zvinoitika iwe dzikama chete, vakuru varikufambira nyaya dzacho.

Mutimuri: Siirai zvese kwandiri sahwira , regai ndimhanye kwaMurambiwa ndinovasvitsira nyaya yaitika , ndozodzoka ndokutorai kwachena.

VaChihera: zvakanaka sahwira mhanyayi chokwadi ini kana Simba handisisina.

Mutimuri akabva ati tande nenzira kuye kwaMurambiwa hutunga wainge hoda kutsvuka nyamgwe zvazvo, hweva yainge ichaka chenesa nyika. " Haa ndinenge ndakazvigokera moto muziso chokwadi, mhuri yamurambiwa zvainenge inotyisa, haaa asi panobudika zvapo, ndikakasira kusvika ndikabudirira kutaura navo ndichamhanya kwasekuru Rufuze vangandibetsera nguva ichipo, zvikazoipa hazvizodzivike" aingopishana nepfungwa ariega Mutimuri arimunzira

End of chapter

Stay tuned for more.

Mareaction ngaauye tione.

Heyo mibvonzo.

1. Munofunga kuti chii chaiiita kuti Mutimuri vapishane nepfyngwa.
2. Ko sekuru Rufuze vangava ani uye vaiita nezvei. Koiye Mutimuri angadai achida rubetsero rwei.

For more books and comments batai munyori pa +263784110192

Mamwe emabhuku akaita mukurumbura by RurueMz
1. Maida Ndiitesei season 1 and 2
2. Dariro Miss Nust 1 and 2
3. And I thought I'm worthless
4. Uswahwe mbizi
[8/1, 07:23] Maps2: *Tsika Dzedu* 👣🕵️‍♂️👏 📘📘📘

Short story written by RurueMz

+263784110192/ +263719110190

Chapter 5

Enjoy the drama.

Jairos nemukoma wake vanosvika kubva kunotenga mabhokisi vouya nawo voisa zvitunha zvakanga zvasano kugezeswa nemadzimai ehukama." Ko mukazenge mauya nemabhokisi mana, " vakadaro Mai Sharai.

Jairos: tazonotaurirana naMoyondizvo saka vatibvumira vana tichengete kuno vese.

Mai Sharai: hooo bva zvakanaka , saka vanouya naye or monomitora?

Murambiwa: tatodarika neko tichimutora tauya naye. Arimo mubhokisi umo.

"Zvakanakai", vakadaro Mai Sharai vachisimuka pavainge vakagara vachikurukura nevarume vavo.

Jairos na murambiwa vanobva vodzokera kumakuva kwaive nevamwe varume.

Mai Chisendu: Haaa sahwira zviripano zvakarema waonawo zvandaona kwatanga tichigezesa vana uko naamai Sharai?

Mai Makombe: ko waonei ko, tipire tenzwewo.

Mai Chisendu: Vana ava vakafa ne tsaona yepamugwagwa zviya?

Mai Makombe: Hongu sahwira ndozvaungatibvunza nhasi?

Mai Chisendu: Munhu akafa netsaona yemumugwagwa asina kana chivanga zvacho pamuviro wese zvawo?

Maimakombe: uuuuum sahwira, ini ndazvionawo asi ndandisina kufunga nezvazvo.

"Ko uyo arikupinda gedhe akazenge Mutimuri,wani, ko auya ega?" Akadaro Chisendu achibvunzwa VaMurambiwa.

Murambiwa: aaah ko zvinei kuti ari ega vasara vachatevera nenguva yavo.

Mutimuri anobva asvika, akakwazisa vanhu vese vaive pamakuva, huso hwake hwaingoratidza kuti arikushushikana mupfungwa. papera chinguva akabva ati kuna murambiwa," sahwira huyai kusina vanhu titaure , ndinenyaya yandatumwa" , VaMurambiwa vakatorana nomununguna wavo Jairos ndokutevera Mutimuri.

Murambiwa: Matumweiko nhai sadombo?

Mutimuri: Vamoyondizvo pamwe nemhuri yavo yese vati vazokumbirawo ruregerero nekuda kwezvavakaita kutora mutumbi womwana pasina kuwirirana nemi.

Murambiwa: Aaaah ndizvo zvingataurwa panguva yatiri iyi here yokuchema , hazvide tozokurukura tapfuudza hurongwa.

Jairos: ipapo hamureve nhema mukoma.

Mutimuri: ndinobvumirana nemi , asi nyaya vaita ndizosimuka kuzotaurirana ndiyekuti mitumbi womwana simana wenyu hakusisina

Murambiwa: hakusisina uchirevei?

Mutimuri: ummmm sahwira zvaitika zvinoshamisa , hapana arikuziva kuti zvafamba sei kutaura zvino, hatizive kuti mwana amedzwa neshato kana kuti ndiye ashanduka nyoka

Jairos:. Aaaah aaah , nyaya yako sadombo inoti remei, it's unbelievable. Ngaisiye matambo tozoona after funeral.

Mutimuri: Saka mati voitasei?

Murambiwa: yadeuka yadeuka , ngavauye kunevamwe tizochema pamwe , tozoona zvinotevera.

Mutimuri: kosaka mutumbi womwana mozoti kudini kuvanhu.

Jairos: tichaona zano semhuri , siirai isu vekwa murambiwa.

Vakadaro ndokufamba vomusiya akamira ega., " Zvepano , hameno" , akadaro ndokufamba oyenda hake Kwa sekuru Rufuze kwaaida kupfuura nako.

VaChihera: koiye Mutimuri asingachauye toziva ripi zano?

Vamoyondizvo: anouya zivai nyaya inorema iyi chokwadi.

VaChihera: Bva ngatirindei hedu. Asi nguva dzirikufamba tinowana vafi varadzikwa.

Vamoyondizvo: hazvina mhaka.

Mutimuri anozvika paghedhe rasekuru Rufuze anowana rakavharwa," gogogoi pano" akadaro. Pasina chinguva anoona mwanasikana achiuya kuzomuvhurira," better ndanga ndichiti pada hapana andinzwa",akadaro ndokutarisa pasi.

Paakasimudza musoro Mwana uya abata gedhe kuti avhure anoona hezvoooo, " Ruvheneko!!!!!!!!" Akapukuta kumeso achiti zvimwe haana kuonesesa wanei zvokwadi ndiye .," Yooooh " Akadaro ndokuita tsoka ndibereke akananga kwamoyondizvo. Akanga aona chisionekwi. Ati fambe fambe akamira akati, no mhani kakuna zvakadaro, parizvino regai ndipire Vamoyondizvo nemhuri yavo mashoko andabva nawo uko , ndozoona zvinotevera" akadaro ndokufamba oyenda asi mumoyo make anga asisina rugare

Ma comments ngaauye ku inbox yomunyori.

Pfungwa dzenyu , maonero enyu ndiwo anoita tienderere mberi nokunyora.

0784110192

28/07/2025

Follow the RurueMz NOVELS channel on WhatsApp:

[7/23, 00:19] Maps2: Tsika DzeduShort Story by Rurue M.Z+263784110192/ +263719110190Chapter 1Enjoy the drama. kubvira ma...
27/07/2025

[7/23, 00:19] Maps2: Tsika Dzedu

Short Story by Rurue M.Z

+263784110192/ +263719110190

Chapter 1

Enjoy the drama.

kubvira makare kare pasi pasati parohwa nenyundu, madzibaba edu achararama handina kumbofa ndaona zvakadayi ini sahwira, ava vaive sekuru Murambiwa vaingunotaura nevamwe varume vakakomba choto vachingo donhedza musodzi murume mukuru achena musoro kuti mbuu.

Baba Makombe: Zvokwadi sahwira izvi zvinotyisa, zvinechirevo chete , kubva ndichakura kusvika nhasi ndandisati ndambofakaza chiitiko chakadayi.

Sekuru Murambi: Idzo tsika dzedu dzatisinga chatevere nemazvo , munoti vadzimu vanofara nazvo here, munhu wese rangove bararamhanya kutevere idzo tsika dzavachena, ko chivanhu chedu savatema chotsakatika here samazhanje avekukuva, hayii bodo ndazviramba ini.

Vakataura mashoko aya vaMurambiwa vachisimuka kuenda mumba mainge makagara madzimayi epamusha pavo neemuruwa vakakomba zvitunha zvina zvevana komana vavaMurambiwa vainge vafa netsaona yemumugwagwa. Ko apa dangwe ravo mwanasikana angaachangobva kufa mazuva ainge apfura arohwa nemvura achitsvaka huni mugomo, kozoti hazvanzi yavo yainge yakavasiya zvekare mushure mokukunguruka mugomo achimhanyirana nembudzi.

Chisendu: Uuummmm izvo zvinoshamisa, zvozoti kurwadza, koiyo mhuri ino yambonyanyo kutadzeiko chaizvo, chero kuchinzi iye Mwari pane zvavakamutadzira, chingava chii chanyanyo kumutsamwisa kuti pane akapara ngozi here, bva kana aripo ngaareurure vaone zano vasati vapera.

Makombe: Iwe usaita seusingazive chivanhu chedu iwe, tarira vana vake vese hapana kana mumwechete zvake anoda kana kunzwa panotaurwa zvechivnhu, kubva ukada kuzvitarisa ivo vaMurambiwa Shumbahuru vakaguma kuitirwa doro renyota riniii.

Chisendu: Zveshuwa pava nenguva , unogona kudaro uchirevesa, chivanhu chete chikuda kuitwa zvinhu zvinake, varipasi vanenyota, manje poitwasei isuwo vana Masendu totaureyi hatisi vekwaMurambiwa.

Makombe: Tinofanira kugara nemurume uyuu pasi timuonese, akaramba ndezvakewo vanopera vese varimo mumagemenzi machena vachingoti Mwari ,Mwari kupembedza mudzimu wevachena.

manheru sekuru , nedzatiwira idzi veduwe, vakadaro mai Chisendu vachida kubata vaMurambiwa maoko asi ivo vanoramba vakafumbatira maoko avo, mai Chisendu vanongoisawo maoko pasi vachinyaririra vachinyepedzera kupukuta misodzi.

Murume mukuru ainge arukutika kuti rukutu nekushaya pekutangira, pavana gumi nevaviri vese vashanu vatodyiwa nechakapedza mbudzi, huyai kuno mai Sharai nemi amai Musodzi, vakadaro vachideedza madzimai avo maviri , vahosi navanyachide vacho, mukadzi mudoko ndiye akasiiwa ko aiziveiko munhu anga achangoroorwa.
Sekuru Murambiwa: Vana vadzimai ndakudeedzai kuti tionesane zano , toitasei nendufu dzirikutiwira idzi.

Mai Sharai: Murikurevera panyaya yeiko nhai baba vevana.

MaiMusodzi: Mai Sharai ndiwe hosi kana wakuitawo sewakadzungaira isu toitasei.

MaiSharai: Ziva zvekunyarara iwe uteerere vakuru vachitaura.

Murambiwa: Mai Sharai hatisi panguva yekurwa , inini zvirikundi netsa kuti chii chirikuitika mumusha mangu, kubva baba vangu vachiri vapenyu zvirikuitika izvi handisati ndakambozviona.

MaiSharai: Chitaurai muono wenyu tionesane.

Murambiwa:Ndinoona sekuti varipasi vakatifuratira , uye vakatsamwa kwazvo nokuti hatichatevere tsika dzavo.

MaiMusodzi: Aaah kohanditi tave kuita zvekunamata vanofanira kuzviziva kuti isusu tave vekwaMwari tinonamata Jesu anorarama.

MaiSharai: Ndizvo ndamboti nyarara iwe , chinzwa zvawava kutaura.

MaiMusodzi: Vakafa vakafa isu vapenyu toita zvevapenyu, kwete zvenyu zvamunoda kutaura zvisina maturo.

Murambiwa: Chinyarara Chemai handichada kunzwa uchiti bufu pano, iwewe nevana vako ndimi makauya nazvo zvechinamato pano .

MaiMusodzi: Ko dai maisazvida maitenda here kupfekedzwa magemenzi nekupiwa tsvimbo kuti muve mutungamiriri.

Murambiwa: Ndaisaziva mhani kuti ndakutoisa mhuri yangu pakaipa, hazvina basa zvigamenzi zvenyu ndinonodzorera rakacheka Nyika. Ndatokudaidzirai kuti muzive kuti vana vangu vachavigwa nenzira yechivanhu chedu kwete zvekereke, pedzezvo tichavaitira mamvura mvura kwete nyaradzo yechechi.

MaiSharai: Ko nhai baba vechechi vagoti kudini nazvo Imi muri mutungamiriri.

Murambiwa: Handitarise kuti nyika inoti kudini, inini handingarege mhuri ichiparara nekutadza kutevera tsika dzedu, zvakawanda tichataura ikezvino tomboona kuti tachengeta vakazorora ava.

MaiMusodzi: Inini hangu wangu mwana amaiguru haavigwe nenzira yataurwa nemurume wenyu, venyu ndivo vachavigwa saizvozvo pakuvigwa kwewangu panotoparidzwa shoko chairo chairo , handina mwana anokandirwa fodya ini.

Vakataura izvi vachisimuka kudzokera mumba mavakange vari zvavo vachisiya sekuru murambiwa vakatarisana navadzimai vavo vakuru. Hapana akazotaura nemumwe amai Sharai vakangosimuka votevera muninina wavo vachitaura vega mumoyo, anofanira kunzwisisa haaone kuti panenyaya hombe anodaro nokuti havasi vana vake varikupera asi vangu. Murambiwa vakazosara vobva kuenda kumoto kwainge kugere vamwe varume kuti vandovapirawo mafungiro avo, regai ndinotaura namasahwira ndinzwe vanotiwo kudini, zano unopangwa unerako, ndinovimba vachatsigirawo zano rangu , vakadaro vachikwenya musoro wavo vakananga panevamwe varume.

End of chapter.

*Tsika Dzedu* 👣🕵️‍♂️🧎‍♂️👏🙏📘📘

Written 🖊️🖊️ by Rurue M.Z

+263784110192/ +263719110190

Chapter 2

Enjoy the Drama

MaiSharai vakapinda mumba mainge makagara vanhu vachiimba , vakasvika ndokutarisa maiMusodzi neziso rinotaura, maiMusodzi vakazviona ndokubva vaenda pavari, amaiguru ndinoona munenyaya handeyi panze tinotaura, vakadaro nenzwi riripasipasi ndokubuda maiSharai ndokusara vachitevera, vakabva vaenda ndokunomira kuseri kwe hozi yaive nechekumabva zuva.

MaiChisendu: Nhai sahwira urikuonawo zvandirikuona here.
MaiMakombe: Aaah iwe zvikuitika pano hazvinzwisisike ukati vana ivava vachachengetwa here iwe mangwana.

Mai Chisendu: Ngavanyarewo vafi.

Sekuru Murambiwa vakasvika ndokudonza chituro chavo ndokugara, hevoizve nhai vaMutimuri mauya nguvayi", vakadaro

Mutimuri: Ndava nekanguva ndasvika, nedzinotambudza idzi sahwira.

Murambi: Dzaonekwa mwana waamai.

Chisendu: Nhai sahwira mukazokwenya musoro semuchamera mhanza kwakanaka here, kana pane zvirikunetsa taurai tibatsirane.

Murambi: Nyaya iripo varume inotonetsa, inini semaonero angu pane chivanhu chinofanira kugadziriswa pano pamusha.

Makombe: Ichocho ndicho chokwadi chawataura sahwira, hauchiona wavekufunga, nekutaura semurume manje.

Chisendu: Ndinotsigirana nemurume uyu, ndangandichifunga nezvazvo pawasimuka paya asi ndandichishaya ndotangira papi uye ndakamira sani.

Mutimuri: Uummm varume munenge makurasika imi, Murambiwa wapindwa neiko mwana waamai. Ko wakangamwa here chinamato .

Murambi: Iwe hauone zvirikuitika panoapa, ndinopererwa navana ndichiti chinamato chinamato.

Mutimuri: Iwe kuyedzwa uku, funga Jobho akasangana nemiedzo arwara kwazvo asi haana kubva panaMwari, saka newewo unofanira kuramba wakamira saJobho.

Murambiwa havana kupindura vakabva vasimuka vachifonera mununguna wavo Jairosi uyo anga asisauye chero paitika ndufu yakadini sezvo aisawirirana neChinamato chainge choteverwa namukoma wake. Jairosi paakaona nhare kubva kumukoma wake akambofunga kurega kudaira asi akazongoti, ukama haugezwe setsvina ndokudaira.

Jairosi: Makadiniko mukoma, nematambudziko atiwira .

Murambi: Aonekwa mwana waamai vangu.ko ndinokumbira uuye tionesane, tigadzirise zvinhu nokuti inini zvoitika izvi handichazvigone ndega.

Jairosi: Asi imi mukoma handione pane chekutaura apa, makati moita zvekunamata Mwari mupenyu zvechivanhu nemidzimu mukati masiyana nazvo, saka ndinovingeiko, vigai vana venyu nehama dzenyu dzekuchechi sezvamakaita tete Vongai.

Murambi: Usataura uchidaro mwana waamai vangu, ndiyo nyaya yandinoda tizogadzirisa iyoyi

Jairosi: ndivimbise kuti kana ndauya hapana makakatamwa anozoitwa.

Maiguru taurayi nyaya yenyu tinzwe" akadaro Chemai.

MaiSharai: Unoona zvanga zvichitaurwa nababa ndizvo zvatinofanira kuita izvozvo.

MaiMusodzi: Kunevako vana ini wangu mwana Aaron bodo, ndinotomira sembvumba.

MaiSharai: Mwana wako ?, ndewako wega here mwana uyu, kana ari wekwaMurambiwa handione chinoramba asi kana uchiziva kuti haasi wepano, achavigwa nenzira yaunoda iwe.

Madzimai akatanga kupopoterana achinongedzerana, mwanakomana mukuru waamai Sharai akamhanya ndokusvikapo, chiiko chanetsa nhai vana amai, akadaro Munashe.

MaiMusodzi: Iwe taura naamai vako vateerere zvandikutaura, haikona kuda kundiudzira zvekuita.

Vakadaro ndokubva varasa maoko vachidzokera Mumbai, konhayi amai chii chamurikuita vakadzi vakuru "

MaiSharai: Munashe mwanangu haungazvi nzwisise, asi iwewe watokura zvawava nemusha wako, nyaya yanetsa ndeye tsika dzedu, baba vako vati varipasi vanenge vakatifuratira uye vasina kufara nokusiya tsika dzedu, saka vanunguna vako vatisiya ava chiratidzo chekuti varipasi havana rugare nesu, zvaitika izvi itori signal kana kuti warning .

Munashe: I think makutopenga amai.

MaiSharai: Ndinotenderana newe nokuti hapana chaunoziva patsika dzedu wakakura uchitevera dzavatema, baba vako vachaku tsanangurira.

Vakadaro ndokubva vamusiya akamira akavatarisa vachienda, vadhara navowo varimunyaya iyi, vapindwaneiko ", akadaro ndokufamba kuenda kwainge kwakagara baba vake nevamwe varume vachikurukura nekuonesana.

End of chapter 2 stay tuned for more.
[7/24, 21:00] Maps2: Tsika Dzedu* 👣🕵️‍♂️🧎‍♂️👏🙏📘📘

Written 🖊️🖊️ by Rurue M.Z

+263784110192/ +263719110190

Chapter 3

Enjoy the drama.
"Manheru vanababa", uyu aive Munashe achisvika painge pakagara vana baba vake nevarume vemuruwa. Akadaro ndokubva atora chituro ndokugara akatarisana nababa vake. " Mukazobva manyarara ndasvika, asi ndakanganisa kuuya kwandaita pano here?" , Akadaro Munashe akatarisa baba vake neziso.

Makombe: Hapana chawakanganisa Mwana komana, maonero angu tangoti zvimwe pane chaurikuda kutipira ndizvo tanyarara.

Munashe: Okay pakanaka, handina hangu nyaya yandauya nayo. Ndokumbirawo vaMurambiwa timbonotaura dzemusha.

Apedza kudaro anosimuka akananga kunze komusha. VaMurambiwa vakasimuka kumutevera," vakomana regai ndinzwe kuti Mwana uyu arikutikudiniko". Vakafamba ndokuenda zvavo, varume vaive pachoto vakasara vachingotarisana .

Mutimuri: Zviripano zvakaoma chokwadi.

Ukuwo amai Muzodzi vakadeedza amai vavo kuenda navo panze kuno kurukura nyaya yainge yataurwa nemurume wavo.

Vachihere: watiiko Chemai.
Mai musodzi: Amai mukwasha wenyu hanzi zvekunamata handichaide, ndave kudzokera kuchivanhu chedu
VaChihera: over my dead body, kuti hanzi zvaita sei , ndiye atanga kufirwa ega here? Wangu muzukuru ndaramba .
Mai Muzodzi: Saka toitasei amai?

VaChihera: Ndave kunodeedza baba vako ndivaudze tionesane. Hatingatendere matakanana akadaro.

Murambi: Wati tiiteseiko nhayi zijaya. Chitimwini mwini ndione kudzokera kunevamwe tikurukure hurongwa.
Munashe: Kukurukura hurongwa , asi ini handina zvandinoronga zvinobuda, vemuraini ndivo vana chipanga mazano, inini dangwe renyu bodo?
Murambi: Ko nhai mwanangu ndakanganisa papi manje, panechipi chaunotaura chandinopokana nacho?
Munashe: Murikundi nyenyeredza pahurongwa hwese zvawo kunge ndiri mutorwa pano pamusha. Manje inzwai baba zvanhasi hatidi kunyadziswa, tatove ma kirisitu zvechivanhu makasiya kare no turning back.
Murambi: Kkkkkkkkkkk, seka nhamo serugare Mwana waMurambwi, ndizvo urikupupira furo izvozvo, chinzwa mwanangu uri jongwe pakatumba Kako kawakamisa seri kwemusha wangu uko kwete pano, pano pakati ini. Chimboenda nemiono yako kunze kweruzhowa rwangu.

Vakadaro ndokubva vamusiya akamira vachienda kuseri kwe hozi. Munashe anoona ma raiti kumugwagwa unonanga pamusha pavo, " motikari, Ndiyani anouya pano nemotikari?.
Achakamira kudaro anoona Mai Musodzi naamai vavo VaChihera, mutimuri naamai mutimuri vachibuda gedhi, vachipopota nokurasa maoko. " Kwakanaka here kuri kuendwa nhai anavasahwira?".
VaChihera: Tafunga kumbonoona vatasiya kumba, kubva kuseni here nhai muzukuru.
Mai Muzodzi: Nhai mhai kokumutaurira chokwadi zvineyi.
Mutimuri: Iwe Chemai chimbonyarara mhani.

Munashe zvakamunetsa , " kutaura chokwadi zvineyi, chokwadi chei , pane zvirikuitika chete". Achangopedza kutaura ega motikari takabva yasvika paainge akamira, Jairos anomisa motikari yake," nenhamo mwanangu"

Munashe: ( achienda pamotikari) dzaonekwa, ko ndiyani? , Aaah bamunini Jairos, why are you here?
Jairos: ko ndotadza kuuya kumusha wamukoma vangu kana varipanguva yakaoma here?
Munashe: Hoooo nhai ndatozviziva kuti sei babavangu vangu varikutaura zvavarikutaura, ndimi mavapa mazano nhai, manje zvamurikuronga hazvibude pano , as long I am still alife.

Ukuwo vaMurambiwa vakagara serinkwehozi vachichema nokushushikana mupfungwa," zvandatove mudzanga wefodya, ukuyakarumea uku inotsva". Ndoitasei?. Murume mukuru aidaro achigaya zano. Pasina chinguva bhozha nhare yavo inorira.
Murambi: Hello Jairos, wazodini.
Jairos: ndiripa gedhe , hanzi nedangwe rako hapana arikuda kuona face yangu pano uye ndisambofa ndapinda nemotikari yangu muyard yenyu.

Murambi: Akutorwara njere Munashe , ndirikusvikapo izvezvi

Vana Mai musodzi vanosvika vowana baba Chemai vave kutoda kurara. " Kutorara henyu, hamusati maona shura rikuda kuitwa naMurambiwa", akadaro Mutimuri .
Baba Chemai: ko chii zve,
Mai Muzodzi: hanzi nemukwasha wenyu ini ndadzokera kuchivanhu chedu, havachade zvekunamata, ndonyarirapai baba ndimi makanditi roorwa, izvezvi Mwana wangu ini agovigwa achikandirwa fodya nokuzodirirwa doro.

BabaChemai: Hakuna zvakadaro , mushure mekumuita mutungamiriri we kereke yangu, aiwa ndaramba .
Vanobuda vakanga pa ngoro yavo baba Chemai vamwe vese vachitevera. " Huyai nemadongi tisunge ngoro iyi tonotora mutunbi wemuzukuru wangu uzochengeterwa kuno"

VaMurambiwa: Munashe, ndati unotonga kudumba rako kwete pano.
Vakadaro vachivhura gedhe, Pindai zvenyu , Nyamuzihwa"
Jairos anopinda Nemotikari yake mugedhe, anoburuka mumota, vanobva vambundirana nemukoma wake vachema zvikuru. Munashe anobva oyenda kunodeedza amai vake kuti avasvitsire nyaya yekuuya Kwa baba mudiki Jairos.
Munashe: mhama muroyi auya.
Mai sharai: Muroi , urikueeveiko iwe.

Munashe : Iyezve Jairos, anga acharega kuzotora nyama yake.

Mai Sharai: Mwanangu chirega kutaura uchidaro, maporifita enyu aya enhema anogwisanisa, kana vatouya tenda Jehovah, hazvina kunaka kuti vana vanyamumhu vasawirirana.
Munashe: hooo vave vaporofita venhema nhasi, hamusimi maikandira muteuro kuti Jairos muroi ngavasiye mhuri yangu?
Mai Sharai: chinoziva ivhu kuti Mwana wembeva anorwara mwanangu.
Munashe : Muchirevei
Mai vake havana kupindura vakafamba vachienda vanyerere. Munashe zvakasara zvichimunetsa.

Mai Musodzi nevamwe vavo vanosvika nengoro, vakananga muimba mauve nezvitunha zvevana .
Mutimuri: Moyondizvo( Baba Chemai) ndakakutaurirai kare kuti gadzai ini kuva mutungamiriri mukaramba, ndaiziva kuti uyu uchakunyadzisai.
Baba Chemai: haisiyo nguva yokutaura nezvenyaya iyoyo htimhanyei neirikupisa iyi.
Vakadaro ndokupinda mumba kunotora chidumbu chomuzukuru wavo. Vanhu vaivovemo vakatanga kutarisana nemaziso vachingo nyevezerana mumwe newake mumwe newake.
VaMurambiwa vakada kuvarambidza asi Jairos akati mukoma regai vaite kuda kwavo , siyai vaende.

Vakasvika kumba kwavo Moyondizvo nemhuri yavo nehama dzokuchechi dzakavateverawo. Kondoedza varume vakatanga kuchera makuva ekuzoradzika vafi.
Chisendu: Saka tiri kuita makuva mana here pano kana kuti toita matatu sezvo uyo anzi anochemgetwa uko.
Jairos: ko pano patarwa makuva mangani, itai zvamunofanira kuita chete.
VaChihera,: takauya zvedu nemwana uyu baba vacho vachazouya here kuzoti tarira guva.
Baba Chemai: vanotouya ndinonovatora ndomene.
Vachiri Kukurukura kunonzwikwa mhere mhere mumba mauve nechidhumbu chemwana, madzimai aiimbira achibuda achitiza. 'Kozvaitasei?" Vakadaro Vamoyondizvo , pasina apindura panoonekwa nyika yakakura kwazvo uchibuda mumba mainge makarara chitunha. Vese vanoshamisika nazvo.
Mutimuri: yabuda pai nyoka iyo nhai madzimai.
Mai mutimuri: hazvitaurike iwe zvinotyisa zvinoshamisa.

Mutimuri na Moyondizvo vano mhanya ku otarisa mumba kuti chitunha chichitipo kana kuti chamedzwa nenyoka. Vakabuda mumba vachimhanya kutevera muhwezva wenyoka.

End of chapter
Comments ngadziuye kuinbox kwemunyori.
Munofunga kuti nyoka iyo yainge yabvepi .
Ko Jairos aive muroi zvechokwadi her?
Danho rakatora naMurambiwa eakanaka here or kwete
Ko Moyondizvo nemhuri yake anobudirira here ?

RurueMz 0784110192

Address

Nkulumane

Telephone

+263784110192

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Rurue Novels posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Organization

Send a message to Rurue Novels:

Share