13/05/2025
History.Oral History
Masvikiro eDzimbahwe
Be patient, it's a long history
*Chaminuka...*Chaminuka naNehanda vanonzi vana vaMurengasoro Renzou. Nhoroondo yavo inotangira Mesopotania kumiddle east uko. Ndovimba unozviziva kuti inzvimbo iyi kare before world war 1 yaizivikanwa seNorth East Africa. Nyika dziri middle east nhasi dzaimbove part of Africa dzisati dzaenda under Asia zvadziri nhasi. Izvi ndiri kuzvitaura kuti uone kuti middle east yaive yavatema isati yatorwa nemaArabs. Middle makazova nehondo dzaiparadza apa ndipo pakasimuka mweya waMurenga ukaudza mweya waNehanda naChaminuka kuti utungamire mhuri kuenda kunyika yeChivavarirwa. Paiyi nguva zita rokuti Nehanda raive risati rabuda achingozivikanwa nezita rokuti Nyakasikana. Vakayambuka the Red sea. Nyakasikana anoti mvura yengungwa yakaoma kuita d***o ndokufamba vachiuya kuno ku main land Africa. Pose apa vanoti vaifamba nemutumbi waMurenga uyo vakazoviga kuGuruuswa Tanganyika. Uku ndiko kune nyika dzakaita seTanzania, Unganda, Burundi, Rwanda, kenya, Sudan Munzvimbo idzi nanhasi munowanikwa mazwi eShona. Mweya waMurenga wakati hausati wasvika munyika yeChivavarirwa vakabva wasimudzira. Kune bandiko rakabva rasara munzvimbo iyi. Ichi chikamu ndicho chine dzinza rakazvarwa akambove mutungamiri weTanzania Julius Nyerere. l hope you know kuti Tanzania yainzi Tanganyika ikazova Tanzania mushure mokubatana neZanzibar. Zita rekuti Nehanda rakabuda pavaitama kubva munzvimbo iyi. Nyakasikana aifamba nehanda yeShumba. Panguva iyi Gumbi ndiye ndiye ive homwe. Vanhu vaitaura vachiti taona Gumbi nehanda yake. Masvikiro ndiwo aifanotungamira mberi ruzhinji rwevanhu vozotevera tsoka dzavo mushure. Pose apa izwi ravaiteera ndera Murenga mudzi wedzinza. Raitaura panaChamunika naNehanda sezvo raisava nehomwe iyo rakagara
Panguva iyi vakayambuka Zambezi uyo aizivikanwa saKasambapezi. Vaive netsvimbo inoyera iyi ndiyo yavakashandisazve kurova mvura ikava d***o.Vasati vayambuka Zambezi vakasiyazve mhuri yaRuwananyika mhiri rwerwizi sezvo Ruwananyika akati azviwanira nyika yakanaka saka rwendo rwake rwaguma. Nhasi uno dzinza iri riri kuZambia ndivo vana liwanika or something like that kuZambia uko. Pavakayambuka Zambia vana Nehanda vakabva vapika mhiko yekuti.havachadzokizve kwavakabva sezvo vaive vazviwanira nyika yechivavarirwa chatateguru wavo Murenga. Mabweadziva wakabva wava muzinda unoyera muzinda waMurenga uko vaiturira zvichemo zvavo kuna Mwari. Vanotaura vanoti uku kuMabweadziva Matoposi nhasi uno izwi rainzwikwa richitaura riri pad***o. Varipo vanoti raiva izwi raMwari vamwe vachiti raive izwi raMurenga.Zvisinei nezvinotaurwa izwi iri ndiro rinoita kuti mweya waMurenga uve unotaurwa nezvazvo kuti ndiye founder weZimbabwe nanhasi uno. Tava muno aya masvikiro ndiwo ane mazita anobuda pamaFounders eZimbabwe uye ndidzo mhepo dzinotonga nyika ino vanosanganisira Chaminuka, Tovera. Nehanda. Nehoreka,Kauswere,nevamwewo. Pahomwe dzaNehanda dzinozivikanwa panoti, Gumbi, Nyamhita, Charwe mukunda Chitauro Chiweshe naMazviona Kawanzaruwa, Homwe yaChaminuka yakaita mukurumbira uchiri kutaurwa nanhasi unondiPasipamire. umwe wacho ndiKatonje. Ndichaenderera mberi ndikawanazve nguva. Nhasi ndabata kumavambo kwazvkatangira kusvika vasvika muno. vachitungamirwa nemhepo yaMurenga ChaminukanaNehanda ari mafoot soldiers acho bye for now
Zviri kufamba here bhururu rega ndimboti de zvaChaminuka Shumba yaidzvova. Mhepo yaChaminuka isati yagara panaPasi pamire yakatanga kugara pad***o. Vanhu vakashaiswa nazvo vakanoudza mambo. Mambo akati d***o iri riparadzwe rikaparadzwa. Uyu mambo anogona kuva Nyamweda kana Chivero vaigara mudunhu riri around Mhondoro and Seke today. Zvakaparadzwa d***o izwi rakatanga kutaura riri paHuswa huswa hukapiswa rikabva rataura riri pambwa imbwa ikaurawa rikabva ragara pane mumwe murume aive mutorwa munyika umu. Vakada kuuraya murume uyu asi akabva atiza achiuya kune umwe mambo aigara pedyo naHunyani river. Ariko akataura kuti paakagara pamutorwa saka hazvaibvira kuti atange basa rake raakatumwa ari pamutorwa apa.
Akati panofanirwa kubikwa doro poitwa bira paizoshevedzwa madzishe ose emunyika ino. Doro rakabikwa madzishe akashevedzwa mazhinji akauya kuzoona mambo achigadzwa. Iyi yaive nguva yezhizha. zvinonzi nguva yokuitwa mutambo yasvika vanhu vakakoromoka kuuya asi vaida kuyambuka Hunyani kana kuti ndiMupfure here vakatadza kuyambuka. Vakatumira shoko mhepo iyi iri pamutorwa yakaenda kurwizi kuya ikanorova mvura netsvimbo mvura ikaoma kuita d***o vanhu vakayambuka vachienda kumutambo. Apa zita rekuti Chaminuka raive risati rabuda zvichinzi mhepo iyi ichataura zita rayo kana yaona homwe yakakodzera yekugara. Nemamiriro ezvinhu akadai aya munhurume wose aive nemukana wokuva homwe yemhepo iyi. Mhepo iyi yakataura kuti yaive yauya muno nekuti ndiyo chete nyika yaive yasarudzwa kumhepo sezvo maisanhuwa ropa raideurwa nevanhu vaiurayana. Mhepo iyi yakati Ishe wandituma havadi kunhuvirwa neropa rinodeurwa sezvo ropa remunhu richiyera. Mutambo wakatanga vanhu vakanwa doro nekudzana mbira nengoma. Yakazoti yasvika zvino nguva yekuti homwe ichisarudzwa varume vakanzi vaite mudungwe vachipana mazoro ekuchera doro raive muhari. aizobudirira kuchera doro iri ndiye aizova homwe yamambo. Apa ndipo pakaitika mashiripiti chaiwo. Zvaiti munhu achida kuchera doro muhari mukombe waigona kuramba kukwana pamuromo wehari kana kuti doro raioma kuita d***o! Vnhu vakaswerera pasina abudirira. Pasipamire aive anzwawo nezvemutambo uyu akati regai ndinoonawo zviri kuitikako. Akasangana nabamunini wake ainzi Gavaza akabvunzwa kuti ari kuendepi. Panguva iyi Pasipamire aigara kwatezvara wake Nyandoro uko aitema ugariri. Saka apa aive apfuura nekumusha kwake akaonana nabamudiki wake. Bamunini ava akamboda kumurambidza kuendako achiti muchenjere kuzotatapurana nezvimwe ikoko zvikazotinetsa. Pasipamire akati kwete haasi kufambira zvimwe asi kundoonawo zvake nekuzokorokotedza homwe inenge yasarudzwa pamutambo uyu. Pasipamire akasvika zuva rotonorereka vanhu vatoneta voda kukanda mapfumo pasi sezvo wose aive azama pake zvaive zvaramba. Mukombe waigona kuramba kupinda muhari kana kuti doro raita d***o. Vamwe vaive votooneka. Murume aive akagarwa nemhepo iye akati ndiani uyo ari kusvika nguva dzino mutambo wopera.kudai? Vanhu vakati mukorore wakwaTsuro mambo. Zvikanzi muvhurireiwo gwanza auye ambozamewo zvatadzwa nevanhu vaswera pano. Pasipamire akamboda kuramba achiti handizvo zvaafambira asi kuti aive auya kuzoonawo zviri kuitika chete. Mhepo iye ikati munhu wose aripo arikupihwa mukana saka ngaangoedzawo sezvaive zvaitwa nevamwe. Pasipamire akapinda mumusasa achiombera kusvika azosvika paive nehari iye ndokutambidzwa mukombe kuti acherewo doro muhari muye. Akatambira mukombe uye ndiwo muhari ngori chubvu kuchera doro riye . Iye ndiye akatanga kunwa ndokuzocherera vose vaivepo vachinwawo .Mipururu yakatogoka ngoma ikarira vanhu vopemberera homwe yamambo. Pasipamire akanzi atsvage rwodzi aruke tambo kana kuti hotsi. Akaita sokudaro apedza kuruka akatambidza murume uye aive akagarwa nemhepo iyi. murume uye akatora tambo idzi ndokusungira pana Pasipamire ndokutaura achiti. Ndiwe wagona zvatadzwa newose awedza zvichireva kuti ndiwe wasarudzwa newakandituma saka kubva nhasi ndavakugara pauri makavi asara aya wonosunga pamapango akamisa imba yako . Mhepo iyi ndipo yakabva yataura kuti ndiChaminuka mudzimu unoyera. Ndichaenderera mberi pane zvandibata zvakareKkk kuma1890s patori nemaBishop akatodzingwa achidzoserwa kuEurope vanzwa nezvaChaminuka vakati aive asina kusiya naJesu. Vakati kumusvitsa pamaporofita emubhaibheri zvaizovatadzisa kuti vatema vatendeuke uye vakasatendeuka havaizovakunda muhondo. Mamwe maBishop eRoma aitoda kuti vanhu vakuru vose vauraiwe kuchisara vaive under 14 yrs. Ava vaiti vaizove nyore kutendeutsa pasina nharo. Mukanyatsotarisa muchaona kuti Chimurenga chokutanga chakavhiringwa nevatema vakaita savanaBernard Mzeki nanaMoleli vaisapota zvinangwa zvavarungu vachichekeresa vamwe vavo. Asi naiwovo vakauraiwawo muhondo iyi asi basa vaive vapedza vadyara kupandukirana pakati pevatema chitendero chavatema chaputsika
Pasipamire agarwa nemweya waChaminuka akadzoka kwatezvara wake uko aigara ari munzira akasanga nevanhu vaMakombe vaive vauyavo kumutambo uyu asi vaive vatononoka vaive nemitundu yavo yezvipo zvavaida kuzopa mambo. Pasipamire akavaudza kuti mutambo waive wapera. Vanhu ava pavakada kuti vatakure mitundu yavo vakatadza kuisimudza. Izvi zvakavashamisa kuti mitoro iyo vaive vabva nayo Govera zvino apa vaive votadza kuisimudza. Nzvimbo yeGovera pari zvino iri munyika yeMozambique. uyu waive muzinda waChief Makombe. Apa ndinoda kuratidza nzvimbo dzakazova pasi peumambo hwaChaminuka. Pasipamire akazoudza vanhu vaMakombe kuti vaite zvokukungurutsa vachizvichengeta pasango raive pedyo. Iyi nzvimbo yakasiiwa zvinhu izvi ndiwo wakazova muzinda waChaminuka muzinda weDungwiza. Pasipamire akapfuurira mberi nerwendo rwake akanga kwaNyandoro. Achisvika pamusha patezvara wake akange anzwa nenyota. Akatsvaga mvura yekunwa akaishaya ukuwo vanhu vaive vaenda kutsime vaive vasati vadzoka sezvo paive nekamufambo. Pasipamire akatora badza rake ndokuenda pasi pemumwe muti waive pamusha apa. Akatimba pasi pemuti uyu mvura ikatanga kubuda. Akabva avakira tsime iri ndokunoshevedza tezvara wake kuti aonewo tsime iro aive amugadzirira. Tezvara akashamiswa nazvo.akazoudzwa kuti ndini Chaminuka nda garawo pamukwasha wenyu tsime iri chipo changu kwamuri. Pasipamire akanga ava nenguva asina kugeza saka akabva aenda kurwizi kunogeza. Ariko akabva atorwa nenzuzu. Izvi ndingazvifananidza nekubhabhatidzwa kunoitwa vanhu mazuva ano nemvura vachienda kumadziva nguvayo waitotorwa nenzuzu. Pasipamire zvaasina kudzoka vanhu vakatanga kumutsvaga paakanogezera vakaona zvipfeko zvake zvaive zvasarapo vakaziva aive atorwa.nenzuzu. Vakaita zvaidikanwa mushure mamazuva anenge matatu mana vakazoona Pasipamire agere zvake pamusoro pemvura akatopfinya zvake chisero. Ichi chaivezve chishamiso chikuru kwazvo kuti munhu anogara pamusoro pemvura. Pasipamire akazokumbira mhuri yake akabva adzoka kumusha kwake kwaRwizi. Akazogara zvake padare nabamunini wake Gavaza vachitandara. Manheru aya akazoudza Gavaza kuti atore chitsiga chemoto aende nacho kumabvazuva kwemusha achinotaurira kuti vari kumabvazuva kuno ndokwava namambo. Adzoka akanzi atorezve chimwe chitsiga chaibvira moto woenda nacho chamhembe wonoita zvimwe chetezvo kuti kuno ndokuna mambo.Akaita zvimwe chetezvo kumaodzanyemba nekumadokero.
Akazoti aida kutama achinovakira muzinda vake kuDungwiza. Haana kutama ega asi nemisha mizhinji yakatamawo naye kuenda kuDungwiza. Chaminuka aiita maminimini mazhinji kwazvo aigona kurovera hoko paruvare hoko dzichitopinda mubwe sedzinopinda muvhu. Airidza mbira zvisina mukare akamboona. Airapa achishandisa mishonga kana kusashandisa mushonga. Akakuudza kuti unopora waitopora. Aigadzirisa makakatanwa muvanhu. Hapana aitenderwa kudeura ropa remunhu .Nguva zhinji Chaminuka aisadya sadza asi maputi. Uyu murume aive aigona kutaura nemhuka ipi neipi dzichimuteerera. Dzingave Shumba nzou,.mbada kana nyoka zvaipfava pamberi pake. Uyu murume aiteererwa nemhepo, gungwa kana makomo nemhute. Madzishe mazhinji emuno Botsvana,SAfrica Angola, Zambia.Malawi kana Mozambique vakanzwa mbiri yake vamwe vachitouya nezvipo kwaari kana kuzobatsirwa. Hondo pakati pevanhu ndozvaisadiwa naChaminuka. Aive munhu werunyararo nekuwadzana murudo. Aitaura kuti vakamutuma vaisada kunzwa kunhuwa kweropa remunhu . Izvi zvakaunza runyararo panguva yaitonga Chaminuka iyi. Iyi ndiyo nguva yairurawo Lobengula. Sezvo Chaminuka aive nehupfumi huzhinji Lobengula akaedza napose kuda kutora upfumi uhu. Pose paaiedza kurwisa Chaminuka vaigona kudzingirwa kure nedutu remhepo, kurwiswa nezvikara zvakaita seShumba kana nyoka zhinji kwazvo. Muzinda waChaminuka waigona kufugwa nemvura yegungwa kana kutoshaya dzimba dzacho dzavambenge vachiona. paigonawo kungoita mawere asina ukwiriko. madzviti wotodzoka kwaabva vasina chavainacho. Izvi zvaigumbura mambo wavo Lobengula uyo aizivikanwa nezita rokuti Chingururu. Madzimambo mazhinji aiteura kunaChaminuka vaidzivirirwa nesimba rake kubva kuhondo dzoupambi hwemaNdevere. izvi zvakapa mbiri huru kunaChaminuka . Uye nerugare rwaive muDungwiza zvakapa kuti vamwe vanhu vatamire munzvimbo iyi. Panewo madzviti akatotiza Bulawayo chiuya kuzogara Chitungwiza.Uye dzimwe hama dzaive dzakapambwa nemadzviti kare Chaminuka asati ava nehomwe vakadzoka. Hapana munhu aitenderwa kupinda mumuzinda waChaminuka aine zvombo. Izvo lobengula akaona kuti atadza kuparadza Dungwiza raChaminuka akatangawo kuunza mombe dzemupiro kuna Chaminuka pagore pagore. Varwi vaiuya nemombe idzi vainzi vasiye zvombo zvavo kunze kwemuzinda. Pane vaiita nharo vohwandisa zvombo zvavo asi vaizoshamisika vabatwa nechiveve votadza kufamba. Pavaizoburitsa zvombo zvavo pachena vachisiya kunze kwemuzinda ndipo vaizogona kufamba vachipinda mumuzinda. Apa vaitambirwa nemufaro voitirwa mabiko.paizoitwa mutambo apo Chaminuka aitamba zvinoshamisa. Aigona kutamba achipinda muvhu muviri wose kusara musoro chete uri panze Aigonazve kutamba ari pamusoro pemuromo wepfumo. Pmuzinda pake paigarawo shato mbiri imwe yacho yainzi Mapeta imwe yacho ndava kukanganwa zita rayo. Idzi shato dzaive dzakakura kwazvo
Tinonzwa nevaRungu vaiuya kuzovhima nzou muno asi hapana chavaiuraya vasina kusvika nekuna Chaminuka.. Vaigona kuita nharo asi hapana chavaibata kana kumutsa kusvika vadzoka kunaChaminuka. uyo aive nesimba rokuvaratidza mhuka dzokuuraya. izvi zvingave zvikonzerwo zvakachengetedza mhuka muno muAfrica dzichipera kunana Europe uko. Muno simba rsMwari raitonga. Ndovimba unozviziva kuti hapana mambo kanaIshe aigara pachigaro asina kugadzwa nemhondoro nemidzimu yenyika. Kusatevedzwa kwetsika yakanaka kudai ndiko kuri kurasina vatema nhasi muzvirongwa zvizhinji. Tiri kufamba murima Battery ropera ndozodzokazve nenyaya yekuparara kwakaita Chaminuka. Asi sokuona kwangu aisangova Lobengula chete akakonzera asi varungu vanofanirwa vainewo ruoko rwavo sokuti vanaMoffat vakange vogara kuInyati bachiswera pamuzinda waLobengula. Sevanhu vaida kupamba nyika ino vkazviona kuti kana murume uyu aripo yaive non starter. Ndizvozve zvvakaita S Africa vakzotora Zululand mushure mekufa kwaShaka. Shaka aripo vakakoniwa. Vakaita zvokutotenga hama kuti dzipandukire Umambo hwaShaka. Saka zvaunoona hama takagarwa matare tisipo
Zvino umambo hwaChaminuka hwaive hwakurumbira kwazvo mbiri yake yongoimbwa posepose izvi zvakashungurudza Lobengula. Vamwe vaive voseka hushe hwaLobengula vachipo hushe pamusaka pekudeura ropa mambo chaiye ari Dungwiza akasarudzwa naMwari uye anotungamira vanhu murudo nerunyararo. Lobengula akarambidza nziyo dzekurumbidza Chaminuka mudunhu make ukunzikwa uchiimba kana kurumbidza Chaminuka waigona kutourawa chaiko. Zvino Lobengula zvaakatadza kukunda Chaminuka akafunga zvokuyanana naye vachiumba ukama. Chaminuka akapihwa mukadzi naLobengula akatambira asi semunhu wemweya akazviona kuti uhu husvinu hwaiitwa naLobengula kuti agone kumusvikira. Lobengula akazotumira shoko kuDungwiza achiti mukwasha wake Chaminuka ngambosvikawo Bulawayo vamboonane. Chaminuka akatenda akati achasvikako mushure memwedzi inenge mitatu. Chaminuka akabva audza vanhu vake kuti akaenda Bulawayo kunoonana naLobengula haasi kuzodzoka. Vanhu vakati asaende asi iye akati kwete ndinoenda sezvo vakandituma vave kundidana nekuti nyika ino yonhuwa ropa revanhu vari kungouraiwa. Handitenderwi kufema mhepo inonhuwa ropa saka regai ndiende ini handinofi anonofa ihomwe yandakagara saka musandicheme ndinodzoka kana mazozadzisa zvose zvinozoita kuti ndidzoke ndichizogara paimwe homwe. Vanhu vakachema vachiti zvinotinosara naani mambo maenda iye akati ndinenge ndinemi mumhepo. Chaminuka akazoronga mutambo mukuru wekuonekana nevanhu madzimambo uye nemamwe masvikiro. Vaive kure vakabvunza kuti zvino tizoziva sei kuti nguva yemutambo weruoneko yakwana kuti tizovewo pamutambo uyu. Iye akati pachazova nechiratidzo chekuora kwezuva. Mukaona izvi zvaitika chibvai mapinda munzira kuuya Dungwiza nekuti nguva yamambo inenge yakwana. Chokwadiwo mushure memwedzi mitatu zuva rakaora masikati machena kukava husiku kwechinguva.. Vanhu vakabva vapinda munzira vakananga Dungwiza.Madzimambo inyika ino mazhinji akananga Dungwiza..Pamutambo uyu makaurawa mombe dzakawanda kwazvo pakagarwa matare akakosha kwazvo maringe nezvinyika ino. Zvimwe zvaisanganisa kuuya kwevapambepfumi vasinamabvi uye kuzovepo kweguta reHarare nedzimba dzemiturikidzwa. kukundwa kuchaitwa vatema pahondo yavo nevachena uye kuzokundawo kwavatema muChimurenga chepiri. Akataurawo nezvekuti vatema vakadzoka mutsika dzavo rugare rwuchadzokazve munyika muno. Zvinonzi pamutambo uyu Chaminuka akatamba nekuridza mbira zvakakatyamadza vazhinji kwazvo..Akataurawo kuti havazogoni kuviga mutumbi wehomwe yake saka vachazoona mbudzi ichazova panzvimbo yaakanhongedza. Akati musoro wemudzi iyi ndiwo uyo vachaziviga uchimirira mutumbi waPasipamire. Nguva yekuti vachienda Kuna Lobengula yasvika vanhu vazhinji vakachemera kuendawo vakanzi vasare sezvo vaizouraiwa asi vakati vaive vazvipira kufa pamwe namabo wavo. Apa Chaminuka aive angosarudza varume vana chete vairidza mbira kuti aende naye. Gavaza aida kuendawo asi akanzi asare akachengeta muzinda washe uye izove nebasa raaizotungamira mberi.
Parwendo rweBhuruwayo vanhu vaChaminuka vakafamba nyore sezvo vasina kumbotora mazuva asi vakasvika zuva iroro. Vaiudzwa pose paizovakwa maguta kana kuvakwa njanji mugwagwa kana kuzocherwa zvicherwa. Vakawana Lobengula avamirira pedyo nerwizi Shangani nevarwi vake. Vanhu vaChaminuka zvavakaona kuwanda kwemadzviti vakabva vatanga kutiza vachidzokera Iwo madzviti zvavakaona kuti vanhu voti vakafunga kuti naChaminuka wotizawo vakangoti navo kuvatevera. Rwizi rwaisava nemvura zhinji rwakazara mvura isina kuzivikanwa kwayakabva nako. varwi vazhinji vakakuk***a nemvura iyi. sezvo vakatadziswa nemvura iyi kutevera Chaminuka vakadzoka kwazvo wofunga kuti Chaminuka atiza nevanhu vake. Asi Chaminuka aive asina kutiza asara nevarume vana avo vairidza mbira. Vanhu vakadzoka Dungwiza vakatak***a nemhepo yakavasvitsa Dungwiza masikati ezuva iroro.
Zvino madzviti namambo vavo vodzoka kumuzinda vasina neromuromo nezvaive zvaitika patiza vanhu vaChaminuka vakatanga kunzwa mbira dzairira pakati pavo asi pasina muridzi wembira uyo vaiona. Vakanzwazve izwi raChaminuka richitaura asi vasingaone Chaminuka wacho. Nekufamba kwenguva varume vairidza mbira vaye vakabva vabuda pachena vakabva vaurawa namadzviti vakafa. Zvino Chaminuka aive asara oga. Akataura nekuita mashiripiti ekudaidza zvikara mhute, nezvimwewo zvakapa kutya kukuru kumadzviti vamwe vakati zvaiyera kuuraya munhu ane masimba akadaro asi Lobengula akaomesa mwoyo achiti ngaaurawe. Chaminuka akazoti gangara pachena ari pamusoro pegomo risina ukwiriko raive ra**ra pakati pemadzviti.Aive akamonerwa neshato dzake mbiri dziye imwe yacho yainzi Mapeta. Vamwe vakabva vatiza vachidzoka kumuzinda vamwe vakasara. Chaminuka akaguwa nezwi dzamu akati ndiChaminuka mambo wazvose akatumwa nashe murudo nerunyararo. Chaminuka anoteererwa nezvose ndikadaidza shumba pano dzinouya ndikadaidza mhute inouya ndikadadza gungwa rinouya ndikadaidza nzou dzinouya asi nhasi zvapera nekuti ndava kudanwa nevakandituma. Dunhu rino richafira homwe yangu richava nenhamo yekusanaya mvura zvakanaka kubva nhasi. Lobengula akaudzwawo nezvehondo yavachena iyo aizokundwa vake vachizova nhapwa. Akati Lobengula achauraya homwe yake kwete kuti nesimba rake rekugona k***a asi kuti vamutuma vaive vomudana sezvo pasi paive ponhuwa ropa pose pose iye nehutsvene hwake hazvaibvira kuti agare munyika inogara ichinhuwa ropa ravanhu vanourawa misi nenguva. Apedza kutaura gomo riye rskabva ranyangarika varwi vakatanga kupfura Chaminuka nemapfumi asi mapfumo aigomara asingaduuri kana kubvoora mutumbi waChaminuka. Chaminuka aive agere zvake
Zuva raive rorereka apo Chaminuka akazoti homwe yangu haiurawi nevanhu vakasviba vane ropa mumaoko avo. kana muchida kuuraya homwe yangu endai munotora chimwana chidiki chichigere kutadza kana kudeura ropa muchipe pfumo. Varwi vakatarisa tarisa vakashaya mwana mudiki pavari vakatuma varwi kumuzinda vakanotora chimwana chavakanobvuta vakasiya mai vacho achichema. Uyu mwana ndiye akazopihwa pfumo akabaya Pasipamire homwe yaChaminuka ikabva yafa. Asi mwana uyu akabva atanga kuita sowopenga akatanga kumhanya nebani. Mumwe murwi akamutandanisa akamubata akamubereka asi naye akabva atangawo kuita sowopenga ndokumhanyawo vakaedza kuvatandanisa vakatadza kuvabata ndokubva vaviri ava vatsakatika nepo vakafira hapana anoziva. Pavakazodzoka mangwana acho kuti vaone pavaive vasiya chitunha chaPasipamire hapana chavakaona panzvimbo iyi kusiya kwenyoka hombe mbiri dzerudzi rweShato. Zvinonzi nekufa kwehomwe yaChaminuka kwakasunungura nhapwa zhinji dzaive pasi pemadzviti vakadzoka kunzvimbo kwadzaive dzabva pasisina anodzivisa. Nerimwe dano umambo hwaLobengula hwaive hwaparara rangova zuru rapinda nyoka.
KuDungwiza pazuva rakatevera mushure mokuuriwa kwaPasipamire Gavaza akazoona gotora rembudzi rainanzva zvaro ivhu pachuru chaive Chanongedzwa naChaminuka. Vakauraya mbudzi iyi vakaviga musoro wayo sezvo vaive varairwa naChaminuka. Vakagara kwemakore mashoma vasinamabvi vakarehwa vakabva vasvika. nyika yakapambwa. pane mamwe masvikiro akazviuraya akaita sambuya Maribini wedzinza raPasipamire vakaramba kutongwa nevarungu vakasarudza rufu rwehomwe yavo. Dungwiza rakabva ratorwa rikava purazi remumwe murungu. Iyi ndiyo nguva apo mombe dzakatanga kudhibhiswa kudzivirira zvirwere zvemombe. Asi pane mukono wemudanga remombe dzaChaminuka waisadhibha wainzi Mhindudzapasi. Varungu vakaita nharo vachiti mombe yose ngaipinde mudhibhi. Mhundudzepasi wakatinhirwa mudhibhi ukafuridza dhibha rikabva rava d***o ndokutsika d***o iri uchipfuura uchingobuda mudhibhi d***o riye rakavazve mvura dzimwe mombe dzikadhibha. Iyi ndiyo nhoroondo yaChaminuka yandinoziva.
Follow me.
Send a message to learn more