22/04/2025
Why this poetry is trending
Detembo I. K. Mufuka
REGAI NDIMBOKURA.
Yu wiii kani maiwe!,
mokoto mokoto yangu misodzi
Pavanoti baa changu chiso, hanzi ndana benyu mudiro ava.
Ko ndingasvunura sei chakandikiya kuti shwe-ee
icho chemvura yatinozvidza. Rega zvipore akabva murutsva shuwa ndatenda.
Pawanoti godi pandigere wanotaura nerurimi runozipa samare. Kunyengera kuparadza hwangu humhandara. Kuvabvunza wanoti maisvokwadzo nyemba kutsva dzarungwa.
Ko utiziro hwangu hwakamedzwa neiko?
Inhamo here nhai baba yaita muparadzise hwangu umhandara?
Ingazve ndimi makaraira neenyu mate aivava, mukati
Chengeta hwako mwanangu nekuti idamba kamwe umhandara uhwu.
Nhasi mandigura kunorira vangu vabereki kundi ronzera semombe yerushanga.
Ndianiko shezhu ungandibairewo zvanhi ndiwane kune utiziro.
Kuti nditi kwababa mukuru nyengu ivo mapanda nyechu hanzi ndawana wekurodzera pfumo. Ndicho here chiramu chamaireva, bva-a kana zvidero ini ndangova dumbu risina mamvere
Regai ndombokura hama
Inhambe tambe rudzii yakasiiya mbeu murutsa?
Ndikaita zano dega ndotya kurikanda mumasese iro rangu jira
Ndipeiwo mukana ndimbokura. Kana ndabva zero bvaa mungadya henyu pamadiro.
Regai ndimbukura weduwe