19/11/2025
Makadini veukama tirikutsvagawo hama yedu inonzi Douglas Mugadza ,Amai vake vainzi Phillipa Mugadza vachibva ivo kuGokwe kwaNembudziya ,bustop ichinzi Tsetse Gate Mubhuku rekwa Mutare pamba pachiziikanwa nekuti pavaSinyoro ndipo paakakurira Douglas.Baba vake vainzi ivo vaMakwasha vaishandira kuTshabalala extension vachidriver maTruck vachigara ivo kuNkulumane asi iye pachitupa pana Douglas Mugadza.Akadzidza iye pachikoro chainzi Dindimutiwi Primary akabva azoenda paSumbe Secondary School abva ikoko ndopakazoenda kunogara kuBulawayo kuNketa kunova ndiko kwaakapedzisira kuonekwa mugore ra2010 .Tanetseka zvikuru nekusamuona kwedu patakapedzesera kumuona akanga ava nevana vaviri nemudzimai ayibva iye kuChiredzi mwanasikana wake mudiki ayinzi Mellisa.Douglas ayidaidzwa nerimwe zita rekuti Gisto.Kana pane anenge anzwawo nezvake makasununguka kutisendera sms kana kuisa whatsaap kana runare panumber dzinoti +263773566297,+263715265852 or +263775481691 +27670736442.