26/11/2025
Mental Health Stories:
🟦🟦 STORY: “Pandakatadza Kuzviziva Ini Pachangu” 🟦🟦
(First-episode psychosis after drug use)
Vanhu vangu, ngatitaure chokwadi chisingataurwi kazhinji.
Last month, Tawanda — mukomana ane 27, anoseka, anoshanda, munhu wese waanosangana naye achingoti “mukomana akanaka” — akasvika paku paradza hupenyu hwake nechimwe chinhu chaakafunga kuti chisina zvazvinokuvadza.
Akanga ari pabirthday party, munhu wese achidya nekuseka. Friend yake akamupa “just one puff bro… yakachill.”
Asina kuziva kuti yaive yakaleciwa nezvinhu zvimwe njodzi kupfuura zvese zvaambofunga.
Maawa mashoma akatevera akatanga kunzwa zvinhu zvaisipo, kunzwa vanhu vamutsamwira, kunzwa sekuti “pane munhu ari kunditevera.”
Akamhanya kumba husiku ihwohwo, achiti vanhu vari kuda kumuuraya. Mhuri yakabatikana—mama vake vachichema, hanzvadzi yake achisvira maoko achiti “Tawanda chii chanyatsoitika?”
By the next morning, akanga asisazivi kuti ari kupi kana kuti ndiani.
Akazoendeswa kuchipatara, ndokuwanikwa aine first-episode psychosis yakakonzerwa nemishonga yakasanganiswa nezvinhu zvisingafanirwe.
Nhasi ari kurapwa, ari kudzidza zvekare kuziva kuti kutora chinhu “chekuzvivaraidza” kamwe chete kunogona kushandura hupenyu hwese.
🟦🟦 REFLECTION 🟦🟦
Hatisi kutaura zvakakwana nezvekuti zvimwe zvinodaka/drugs zvanhasi zvakashata and zvakasanganiswa nezvinhu zvisingafungidzike.
Hatisi kutaura zvakakwana nezvekuti psychosis haikoshesi kuti uri ani — inokutora maziso akavhurika.
Kunyanya kune vechidiki, a single “trying it once” can flip your whole reality.
Tawanda haasi benzi, haasi munhu asina mutsindo—akangoita decision imwe isina kufunga, uye hupenyu hwake hwachinja.
Ngatiregei kunyara kutaura nezve mental health.
Ngatidzidzisei vana vedu, hama dzedu, shamwari dzedu.
Ngatirwisane nekushaya ruzivo.
Mishonga yanhasi haina shamwari — asi mental health support always does.
🙏 Like and share my stories
Don't forget to follow this
page for more stories