02/01/2026
Ndokumbirawozve 100 reposts, chatova chikumbiro🙏
________________________________________
📍Gokwe yarangarirwa🎊✨️⚕️
Makadii hama kwese kwamuri, ndinovimba makapinda mugoredzva zvakanaka. Zita rangu ndinoitwa Marvellous Tshuma ndakamirira sangano re The Noble Hands Zimbabwe Trust. Takabatana ne Ministry of Health and Child Care, tinokuzivisai nezvechirongwa chekuongororwa kwe ganda (Skin Cancer Screening Programme) chichange chiriko pa Gokwe District Hospital musi wa 10 Ndira (January) 2026 chakanangana nekubatsira vane Albinism vari mu dunhu re Gokwe nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza.
Varikudiwa ndeava
✅️Vane albinism
✅️ Vane Vitiligo
✅️ Vabereki vevana vane albinism nevana vavo.
✅️ Vanotarira varwere vane albinism
Kana kune vane maronda, mhopo kana mamwe matambudziko eganda tinokukurudzirai kuti muuye kuzowonekwa nana mazvikokota ve Skin Cancer vachange vachibatsira vanhu pachena pasina muripo. Udzawo ari pedyo newe angave asina Whatsapp kana nharembozha nezve chirongwa ichi akwanise kubatsirika. Pamusoro pekurapwa kuchange kuchipihwa masunscreen lototions nema sunhats kune vese vane albinism.
For more information ndibatei pa 0783 098 732. Kune vemabhizimusi , masangano, vemachachurch ,neveruzhinji vanoda kubatana nesu makasununguka.👏
Murare Car Rental NetOne Nyaradzo Group Zimplats Minnie Baloyi Econet Zimbabwe Madam Boss